ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?
Rurimi Rweshiri Inonzi Tsodzo
Nyanzvi dzesainzi dzaifunga kuti rurimi rwetsodzo runosveta zvimvura zvemumaruva sezvingaitwa nemunhu paanonwa mvura iri mugirazi achishandisa kachubhu kana kuti straw. Asi munguva ichangobva kupfuura, nyanzvi dzesainzi dzakaona kuti tsodzo ine nzira yainoshandisa kunwa zvimvura zvemumaruva inopfuura nekure zvavaifungidzira.
Funga izvi: Rurimi rwetsodzo parunopinda munenge muine zvimvura zveruva, runopatsananuka kuva zvikamu zviviri. Pachikamu chimwe nechimwe pane kakaita kunge kamugero. Tumigero twacho tunenge twakavharika. Rurimi rwacho parunosvika munenge muine zvimvura zveruva, tumigero twacho tunovhurika, kobva katanga kuita zvekukasva muto wacho. Hakaite zvekukwekweta sekunge kuti kari kushandisa straw. Pakanobudisa rurimi muruva, tumigero turi parurimi tunovhara uye muto unobva wavharirwa mukati.
Vaongorori vanoti Alejandro Rico-Guevara, Tai-Hsi Fan, naMargaret Rubega vakati kashiri aka kanokwanisa kuita zvese izvi munguva “isingasviki kunyange pahafu yesekondi.” Vakatiwo: “Rurimi rwekashiri aka runokabatsira kunwa zvimvura zveruva nenzira inoshamisa uye runochinja . . . zvinoshamisa parunopinda nekubuda muzvimvura zveruva.”
Chinotoshamisa ndechekuti kashiri aka hakana simba rakanotomboshandisa kuti kaite izvi. Rurimi rwacho runovhurika nekuvharika parunopinda nekubuda muzvimvura zveruva.
Vachitarisa kushanda zvinoshamisa kunoita rurimi rwetsodzo, vaongorori vanofunga kuti vanogona kushandisa zvavanodzidza parwuri pakugadzira zvinhu zvinoshandiswa pakurapa, pakugadzira marobhoti uye pane zvimwewo zvinhu zvakasiyana-siyana. Vanogonawo kuzvishandisa pakugadzira mamopu ekushandisa kuchenesa panenge parasikira zvinhu zvakaita mvura kana kuti oiri.
Ona tsodzo ichibudisa rurimi rwayo
Unofungei? Zvakaita rurimi rwetsodzo zvakangoitika zvega here?