VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI
Bhaibheri Ringandibatsira Sei?—Chikamu 1: Kudzidza Bhaibheri
“Ndakamboedza kuverenga Bhaibheri, asi nekukura kwarakaita ndakabva ndarisiya!”—Briana, ane makore 15.
Unonzwawo saizvozvo here? Nyaya ino inogona kukubatsira!
Nei ndichifanira kuverenga Bhaibheri?
Kuverenga Bhaibheri kunokubhowa here? Kana uchibhowekana hausi wega. Ungatoona sekuti kuona TV nemavhidhiyo kuri nani pane kuverenga Bhaibheri iro rine mapeji akawanda uye risina mapikicha.
Asi chimbofunga izvi: Dai waizonhonga bhokisi rekare uye rinoratidza kuti rine zvinhu zvinokosha, waizorega here kurivhura kuti uone zvinhu zvirimo?
Ndizvo zvakaita Bhaibheri. Rine zvinhu zvakawanda zvinokubatsira
Kuita zvisarudzo zvakanaka
Kugarisana zvakanaka nevabereki vako
Kuwana shamwari dzakanaka
Kukunda dambudziko rekuzvidya mwoyo
Zvinoita here kuti bhuku rakanyorwa kare kudaro rinzi rinobatsira mazuva ano? Rinobatsira nekuti “rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari.” (2 Timoti 3:16) Izvi zvinoreva kuti mazano arimo anobva kuna Mwari.
Zvii zvandingaita kuti ndiverenge Bhaibheri?
Imwe nzira ndeyekurivenga kubva kwarinotangira kusvika kwarinoperera. Izvi zvinoita kuti uzive kuti rinombotaura nezvei. Pane nzira dzakawanda dzekuverenga Bhaibheri. Dzimwe dzacho mbiri ndeidzi:
Unogona kuverenga mabhuku 66 eBhaibheri uchitanga kuna Genesisi kusvika kuna Zvakazarurwa.
Unogona kuverenga Bhaibheri uchitevedza maitikiro akaita zvinhu kana kuti nyaya yacho.
Zano: Chikamu 16 cheKabhuku Kanobatsira Pakudzidza Shoko raMwari chinoratidza zvakaitika muupenyu hwaJesu paaiva panyika.
Imwe nzira yekuverenga Bhaibheri ndeyekutsvaga nyaya inoenderana nedambudziko rauri kusangana naro. Semuenzaniso:
Unoda shamwari dzakavimbika here? Verenga nyaya yaJonatani naDhavhidhi. (1 Samueri, chitsauko 18-20) Kana wadaro verenga nyaya yakanzi “Zvaungaita Kuti Uwane Shamwari Dzakavimbika” kuti uwane zvidzidzo zvirimo.
Unoda kukunda miedzo here? Verenga zvakaitwa naJosefa kuti akunde muedzo. (Genesisi, chitsauko 39) Chiverenga nyaya yakanzi “Zvatingaita Kuti Tikunde Miedzo . . . Josefa—Chikamu 1” uye yakanzi “Kupomerwa Zvenhema! Josefa—Chikamu 2” kuti uwane zvidzidzo zvirimo.
Unoda kuona kuti munyengetero ungakubatsira sei here? Verenga zvakaitika kuna Nehemiya. (Nehemiya, chitsauko 2) Chiverenga nyaya yakanzi “Mwari Akapindura Munyengetero Wake” kuti uwane zvidzidzo zvirimo.
Zano: Paunoverenga Bhaibheri, tsvaga nzvimbo isina ruzha kuti ukwanise kuisa pfungwa dzako pane zvauri kuverenga.
Nzira yechitatu yekuverenga Bhaibheri ndeyekutsvaga nyaya kana kuti pisarema, woiverenga, wobva waona kuti inoshanda sei kwauri. Kana wapedza kuverenga zvibvunze kuti:
Nei Jehovha akaita kuti zvinyorwe muBhaibheri?
Zvinondidzidzisei nezvaJehovha uye maitiro aanoita zvinhu?
Zvandaverenga ndingazvishandisa sei muupenyu hwangu?
Zano: Nyora pasi musi waunoda kutanga kuzoverenga Bhaibheri.