Mepu Yenzvimbo Dzinotaurwa muBhaibheri
Bhuku rinonzi “Ona Nyika Yakanaka” rine mamepu anoratidza nzvimbo dzinotaurwa muBhaibheri uye richakubatsira paunenge uchidzidza Bhaibheri uri wega. MuBhaibheri munotaurwa nezvenzvimbo, maguta nenyika dzakawanda. Bhuku rino rine mamepu achakubatsira kuti unakidzwe nekudzidza Bhaibheri. Richakubatsira kufungidzira kwakaitikira dzimwe nyaya dzinotaurwa muBhaibheri uye kuti nzvimbo dzacho dzakanga dzakaita sei. Uchabva wanyatsonzwisisa kuti zvimwe zvakaitika zvinorondedzerwa muBhaibheri zvinonyatsoenderana nekwazvakaitikira.
Bhuku rinonzi “Ona Nyika Yakanaka” rizere nemamepu uye machati anoratidza nzvimbo dzinotaurwa muBhaibheri. Rine mapikicha nezvimwewo zvakawanda zvichakubatsira kuti uwedzere kunakidzwa nekudzidza Bhaibheri.
Bhuku iri richakubatsira
kunzwisisa nzendo dzakaitwa naAbrahamu, Isaka naJakobho
kuona mafambiro akaita vaIsraeri pavakabuda muIjipiti vachienda kuNyika Yakapikirwa
kuona paiva nenyika yevaIsraeri nenyika dzevavengi vavo
kuona nzvimbo dzakafambwa naJesu paaiparidza
kuona kukura kwakanga kwakaita humwe umambo hunotaurwa muBhaibheri kusanganisira Bhabhironi, Girisi neRoma
Unogona kuverenga bhuku iri paindaneti.